Gumbeze
Appearance
![](http://chped.net/https/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/8/8a/Blanket.jpg/150px-Blanket.jpg)
![](http://chped.net/https/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/0/07/MARCHAND_DE_COUVERTURES_ET_SON_FOUGON.jpg/220px-MARCHAND_DE_COUVERTURES_ET_SON_FOUGON.jpg)
Gumbeze ijira rakakora rinofungwa kana vanhu vorara kuti vadziyirwe.
KuVaShona kune tsika yokuti kana munhu atanga kushanda anotengera vana ambuya vakabereka baba naamai vake gumbeze.
Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Munhu uya haabvaruri magumbeze - apa kureva kuti munhu wacho haarari nokuti anenge achiroya.
- Jari rudzi rwegumbeze rine mupendero une pfunha.
- Zviri kwauri gumbeze kufuka kana kuwarira.
- Shoko rokuti gumbeze rinobva kushoko reAfrikaans rekuti kombers kureva gumbeze.
- Makarekare vakanga vachiruka magumbeze nemakavi avaiti magudza.