Nhavani (pimanyika)
Appearance
![](http://chped.net/https/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/8/8c/Dendrites_%28PSF%29.png/220px-Dendrites_%28PSF%29.png)
Shoko rokuti nhavani (ku Chingezi: dendrites) riri kushandiswa pano kuturikira chiumbwa chine chimiro chinenge bazi remuti chinowanikwa muzvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira hurapi uye kunyautswa kwesimbi. Pamuviri pemunhu, aya anonzi nerves kuChingezi ane nhavani kumucheto kwayo - apa kureva kuti anoita mhaswa dzinotambarara semapazi emuti. Pakuongorora kupora kunoita simbi mushure mokunge yanyungudika yozogwamba zvakaonekwa kuti tsanga dzehatomu dzinokura dziine chimiro chinenge mapazi emuti zvakare - zviumbwa izvi zvinonzi dendrites kuChingezi ndizvo zviri kuturikirwa senhavani pano.
Shoko rokuti nhavani rinoreva mapazi angava emuti kana ruva.